Kurayirwa kusava nemakaro
Asi pakati penyu hapafaniri kutaurwa kunyange zvoupombwe, kana tsvina yemhando ipi zvayo, kana kukara, nokuti izvi hazvina kunaka kuvanhu vatsvene vaMwari. (VaEfeso 5:3)
Nokuti naizvozvi munogona kuva nechokwadi kuti: Hakuna mhombwe, kana munhu ane tsvina kana ane nhafu, munhu akadaro ndiye anonamata zvifananidzo, anowana nhaka muumambo hwaKristu nohwaMwari. (VaEfeso 5:5)
Makaro ndiko kunamata zvifananidzo
Naizvozvo, urayai zvose zvenyu zvenyika zvinoti: upombwe, netsvina, nokusachena, nokuchiva, nokuda zvakaipa uye kukara, ndiko kunamata zvifananidzo. (VaKorose 3:5)
Chenjerai makaro ose
Ipapo akati kwavari, “Chenjerai! Muchenjerere marudzi ose okuchiva; upenyu hwomunhu hahuzi pazvizhinji zhinji zvaanazvo.” (Ruka 12:15)
Zvidzore kana uine tsika yemakaro
Kana ukagara pakudya pamwe chete nomubati, nyatsocherechedza zviri pamberi pako, uise banga pahuro kana uri munhu wamadyo. Usapanga zvokudya zvake zvinonaka nokuti zvokudya izvozvo zvinonyengera. (Zvirevo 23:1-3)
Kana Kristu ava chido chedu, makaro haachisiri dambudziko
Ndianiko wandinaye kudenga kana musirimi? Uye nyika haina chandinoshuva kunze kwenyu. (Mapisarema 73:25)
Muenzaniso womunhu anotya Mwari akanga asina makaro
Munozviziva kuti isu hatibati kumeso, uye hatina kuisa chifukidzo chokufukidza kukarira pfuma, Mwari ndiye chapupu chedu. (1 VaTesaronika 2:5)
Ishe anoranga makaro
Somuenzaniso kuvana vake
Zvino, zvinhu izvi zvakanga zviri semienzaniso kwatiri, kuti tirege kuisa mwoyo yedu pazvinhu zvakaipa sezvavakaita. (1 VaKorinde 10:6)
Zvaidiwa nevane makaro
Vatorwa vakanga vari pakati pavo vakatanga kupanga zvimwewo zvokudya, uyezve vaIsraeri vakatanga kuungudza vachiti, “Ndianiko achatipa nyama kuti tidye? Tinorangarira hove dzataidya muIjipiti tisingatengi; magaka, manwiwa, hanyanisi huru, hanyanisi diki nemhiripiri. (Numeri 11:4-5)
Muenzaniso wavanhu vane makaro
Vakamhanyira zvakapambwa, uye vakatora makwai, mombe nemhuru, vakazviuraya pasi ipapo uye vakazvidya, pamwe chete neropa razvo. (1 Samueri 14:32)
Vatungamiri vane makaro
Imbwa dzinokara zvikuru; dzisingamboguti. Vafudzi vanoshayiwa kunzwisisa: vose vanotsaukira kunzira yavo pachavo, mumwe nomumwe anotsvaka zvinomupfumisa. (Isaya 56:11)
Vanhu vane makaro vakaipa
Pamusoro pezvo, sezvavasina kufunga kuti zvakakodzera kuva noruzivo rwaMwari, akavaisa kumurangariro wokurasika, kuti vaite zvisakafanira. Vakazadzwa nokusarurama kworudzi rwose, kuipa, makaro nokurasika. Vakazara negodo, umhondi, nokukakavara, unyengeri nokuvenga. Vane makuhwa, (VaRoma 1:28-29)
Anozvirumbidza pamusoro pezvinopangwa nomwoyo wake; anoropafadza vanokara uye anozvidza Jehovha. Pakuzvikudza kwake akaipa haamutsvaki; mundangariro dzake dzose hamuna nzvimbo yaMwari. (Mapisarema 10:3-4)
Makaro achabata vane makaro
Kururama kwavakarurama kunovarwira, asi vasina kutendeka vanosungwa nezvishuvo zvavo zvakaipa. (Zvirevo 11:6)
Vaprofita venhema vachashandisa muviri waKristu nokuda kwemakaro
Asi kwakanga kuna vaprofita venhema pakati pavanhu, sezvavachavapowo vadzidzisi venhema pakati penyu. Vachazivisa pakavanda dzidziso dzinoparadza, vachiramba kunyange naiye Ishe tenzi akavatenga, vachiuyisa pamusoro pavo kuparadzwa kunokurumidza. Vazhinji vachatevera nzira dzavo dzinonyadzisa uye nzira yezvokwadi ichazvidzwa. Mukukara kwavo, vadzidzisi ava vachakunyengerai namashoko amanomano. Kutongwa kwavo kwakanguva kwavamirira, uye kuparadzwa kwavo hakukotsiri. (2 Petro 2:1-3)
Vane meso azere upombwe, havatongoregi kutadza; vanonyengera vasina mano; uye inyanzvi pakukara, rudzi rwakatukwa! Vakasiya nzira yakarurama vakatsauka kuti vatevere nzira yaBharamu mwanakomana waBheori, akada mubayiro wokusarurama. (2 Petro 2:14-15)
Kune vamwe vasingambogutsikani
“Chikwevaropa chine vanasikana vaviri. Vanodanidzira vachiti, ‘Tipei! Tipei!’ “Kune zvinhu zvitatu zvisingatongoguti, zvina zvisingamboti, ‘Zvaringana!’: (Zvirevo 30:15)
Vanhu vanonamata vanogona kuva nemakaro
Vanhu vangu vanouya kwauri, sezvavanosiita, ndokugara pamberi pako kuti vateerere kumashoko ako, asi havaaiti. Vanondirumbidza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo inokarira pfuma yokusarurama. (Ezekieri 33:31)
Muenzaniso waShe achiranga vanhu vane makaro
Naizvozvo nzvimbo iyo yakatumidzwa kunzi Kibhuroti Hataavha, nokuti vakaviga vanhu vakanga vakarira zvimwewo zvokudya. (Numeri 11:34)
Gehazi muranda waErisha munhu waMwari, akati mumwoyo make, “Tenzi wangu arerutsira zvakanyanya Naamani, muAramu uyu, pakusagamuchira kubva kwaari zvaanga auya nazvo. Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, ndichamhanya ndimutevere ndigotora chimwe chinhu kwaari.” Naizvozvo Gehazi akatevera Naamani. Zvino Naamani akati amuona achimumhanyira, akaburuka mungoro kuti andosangana naye. Akati kwaari, “Kwakanaka here?” Gehazi akapindura akati, “Kwakanaka. Tenzi wangu andituma achiti, ‘Pane majaya maviri abva kuboka ravaprofita achangosvika kwandiri achibva kunyika yamakomo yaEfuremu. Ndapota, muvape henyu tarenda resirivha nemhando mbiri dzenguo.’ ” Naamani akati, “Torai henyu matarenda maviri.” Akagombedzera Gehazi kuti azvigamuchire, ndokubva asungira matarenda maviri esirivha mumasaga maviri, nemhando mbiri dzenguo. Akazvipa kuvaranda vake vaviri, vakazvitakura vari mberi kwaGehazi. Gehazi akati asvika pachikomo, akatora zvinhu kubva kuvaranda akazviisa mumba make. Akadzosa varume vaya ivo ndokuenda havo. Ipapo akapinda akandomira pamberi paErisha tenzi wake. Erisha akamubvunza akati, “Wanga uripiko Gehazi?” Gehazi akapindura akati, “Muranda wenyu haana kwaamboenda.” Asi Erisha akati kwaari, “Mweya wangu wanga usinewe here paburuka murume mungoro yake kuti azosangana newe? Ko, ino inguva yokutora mari kana kugamuchira nguo, neminda yemiorivhi, neyemizambiringa, namakwai, nemombe, kana varandarume navarandakadzi here? Naizvozvo maperembudzi aNaamani achanamatira pauri iwe nezvizvarwa zvako nokusingaperi.” Ipapo Gehazi akabva pamberi paErisha ava namaperembudzi, achena sechando. (2 Madzimambo 5:20-27)
Dzimba dzavo dzichapiwa vamwe, minda yavo pamwe chete navakadzi vavo, pandichatambanudza ruoko rwangu pamusoro pavagere panyika,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Kubva kumudiki kusvikira kuvakuru, vose vanokarira pfuma; vaprofita navaprista zvimwe chetezvo, vose vanoita zvokunyengera. (Jeremia 6:12-13)
Naizvozvo ndichapa vakadzi vavo kuna vamwe varume, neminda yavo kuvaridzi vatsva. Kubva kumuduku kusvikira kumukuru vose vanokarira pfuma; vaprofita navaprista saizvozvo, vose vanoita nokunyengera. (Jeremia 8:10)