Kushandisa mari zvakaipa

Ndima idzi dzinoratidza kuodza kwemari, iyo yakava chikonzero chokutengesa, chokuedza kuparadza rudzi uye chokuuraya.

Kutengeswa kwaJesu

Ipapo mumwe wavane gumi navaviri, ainzi Judhasi Iskarioti, akaenda kuvaprista vakuru akandobvunza achiti, “Muchandipei kana ndikamuuyisa kwamuri?” Saka vakamuverengera makumi matatu esirivha. (Mateo 26:14-15)
Judhasi uya akanga amupandukira akati aona kuti Jesu atongerwa rufu, akazvidemba kwazvo ndokubva adzosera makumi matatu esirivha aya kuvaprista vakuru navakuru. Akasvikoti, “Ndatadza, nokuti ndapandukira ropa risina mhosva.” Vakamupindura vachiti, “Zvinei nesu? Ndezvako izvo.” Saka Judhasi akakanda mari iya mutemberi akabva akaenda akandozvisungirira. Vaprista vakuru vakanhonga mari iya vakati, “Hazvitenderwi nomurayiro kuti tiise mari iyi mudura remari, sezvo iri mari yeropa.” Saka vakazotenderana kuti vaishandise kutenga munda womuumbi wehari kuti ugova nzvimbo yokuviga vatorwa. Naizvozvo wakanzi Munda Weropa kusvikira zuva ranhasi. Ipapo zvakabva zvazadziswa zvakataurwa nomuprofita Jeremia zvinoti, “Vakatora makumi matatu esirivha, mutengo waakatengeswa nawo navanhu veIsraeri, uye vakaashandisa kutenga nawo munda womuumbi wehari, sokurayirwa kwandakaitwa naIshe.” (Mateo 27:3-10)
Ipapo Judhasi Iskarioti, mumwe wavane gumi navaviri, akaenda kuvaprista vakuru kuti andotengesa Jesu kwavari. Vakafara kunzwa izvi uye vakavimbisa kumupa mari. Saka akamirira mukana wokumuisa kwavari. (Mako 14:10-11)
Ipapo Satani akapinda muna Judhasi, ainzi Iskarioti, mumwe wavane gumi navaviri. Uye Judhasi akaenda kuvaprista vakuru navakuru vavarindi vetemberi akandorangana navo kuti angapandukira Jesu sei. Vakafara uye vakatenderana kuti vaizomupa mari. (Ruka 22:3-5)
(Nomubayiro waakawana nokuda kwokuipa kwake, Judhasi akatenga munda; imomo ndimo maakawira pasi nomusoro, muviri wake ukaputika, ura hwake hukabuda. (Mabasa 1:18)

Hama dzakatengeswa kuva varanda

Saka vashambadziri veMidhiani vakati vasvika, madzikoma ake akabudisa Josefa kubva mutsime vakamutengesa kuvaIshumaeri namashekeri makumi maviri esirivha, ivo vakaenda naye kuIjipiti. (Genesisi 37:28)

Mari yakabhadharwa kuti pashopwe

Vakuru veMoabhu neveMidhiani vakabva, vakatora mari yokuripa kuvuka. Vakati vasvika kuna Bharamu vakamuudza zvakanga zvarehwa naBharaki. (Numeri 22:7)
Asi Bharamu akavapindura akati, “Kunyange dai Bharaki akandipa muzinda wake uzere nesirivha negoridhe, handingagoni kuita chimwe chinhu chikuru kana chiduku kuti tiite zvinodarika murayiro waJehovha Mwari wangu. (Numeri 22:18)
‘Kunyange dai Bharaki andipa muzinda wake wakazara nesirivha negoridhe, handaigona kuita chinhu nokuda kwangu, chakanaka kana chakaipa, kuti ndidarike murayiro waJehovha, uye kuti ndinofanira kutaura chete zvinenge zvataurwa naJehovha here’? (Numeri 24:13)

Mari yakapiwa kuti pakandiwe kuparadza rudzi rwavaJudha

Kana mambo achifara nazvo, ngapaiswe chirevo chokuti vaparadzwe, uye ini ndicharipa matarenda zviuru gumi esirivha mudura repfuma yamambo kuti igoshandiswa kuripira avo vachabata basa iri ramambo.” Naizvozvo mambo akatora mhete yechindori kubva pamunwe wake akaipa kuna Hamani mwanakomana waHamedhata, muAgagi, muvengi wavaJudha. Mambo akati kuna Hamani, “Chengeta mari uye uite zvaunoda navanhu.” (Esteri 3:9-11)
Modhekai akamuudza zvose zvakanga zvaitika kwaari, pamwe chete nemari chaiyoiyo yakanga yavimbiswa naHamani kuti achaisa mudura ramambo kuti vaJudha vaparadzwe. (Esteri 4:7)

Mari yakabhadharwa kuti Samusoni akuvadzwe

Mushure menguva yakati kuti, akadanana nomukadzi aigara muMupata weSoreki; zita rake rainzi Dherira. Vatongi vavaFiristia vakaenda kwaari vakati, “Uone kana ungagona kumunyengetedza kuti akuratidze chakavanzika chesimba rake guru, uye kuti tingamukunda sei kuitira kuti tigomusunga timupfavise. Mumwe nomumwe wedu achakupa mashekeri esirivha mazana gumi nezana rimwe chete.” (Vatongi 16:4-5)
Dherira paakaona kuti akanga amuudza zvose, akatuma shoko kuvatongi vavaFiristia achiti, “Dzokai, zvakare; andiudza zvose.” Saka vatongi vavaFiristia vakadzoka vaine sirivha mumaoko avo. (Vatongi 16:18)

Mari yakabhadharwa kuti munhu aurayiwe

Vakamupa mashekeri esirivha makumi manomwe aibva mutemberi yaBhaari-Bheriti, uye Abhimereki akaishandisa kutenga varume vakanga vakaipa uye vasina tsitsi, vakava vateveri vake. (Vatongi 9:4)